Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute

Ayah by Ayah

Tags

Download Links

A translation of every ayah of the Quran in Shona.

Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute translation for Surah Al-Ahzab — Ayah 37

33:37
وَإِذۡ تَقُولُ لِلَّذِيٓ أَنۡعَمَ ٱللَّهُ عَلَيۡهِ وَأَنۡعَمۡتَ عَلَيۡهِ أَمۡسِكۡ عَلَيۡكَ زَوۡجَكَ وَٱتَّقِ ٱللَّهَ وَتُخۡفِي فِي نَفۡسِكَ مَا ٱللَّهُ مُبۡدِيهِ وَتَخۡشَى ٱلنَّاسَ وَٱللَّهُ أَحَقُّ أَن تَخۡشَىٰهُۖ فَلَمَّا قَضَىٰ زَيۡدٞ مِّنۡهَا وَطَرٗا زَوَّجۡنَٰكَهَا لِكَيۡ لَا يَكُونَ عَلَى ٱلۡمُؤۡمِنِينَ حَرَجٞ فِيٓ أَزۡوَٰجِ أَدۡعِيَآئِهِمۡ إِذَا قَضَوۡاْ مِنۡهُنَّ وَطَرٗاۚ وَكَانَ أَمۡرُ ٱللَّهِ مَفۡعُولٗا ٣٧
Uye (rangarirai) apo pawakati kwaari (Zaid Ibn Haarithah (RA)) uyo Allah vakamukomborera (nekumupinza muIslaam), uye newe ukamukomborera (nekumusunungura kubva muuranda): “Ramba une mudzimi wako, uye itya Allah!” Asi wakavanza muhana yako (kuti ucharoora murambiwa naZaid) izvo Allah vachave vanoburitsa. Uchitya vanhu (kuti vachati waroora murambiwa waZaid), uye Allah ndivo vanekodzero kuti uvatye. Nokudaro apo Zaid akamuramba, takave tinomuroodza kwauri, nemhaka yokuti (mune ramangwana) pasazove nedambudziko pakati pevatendi kuroora vakadzi vevanakomana vavakarera vasiri vavo apo vanenge vavaramba (madzimai avo). Uye murairo waAllah unofanirwa kuzadzikiswa.

Changelog