Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute

Ayah by Ayah

Tags

Download Links

A translation of every ayah of the Quran in Shona.

Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute translation for Surah Al-Ahzab — Ayah 53

33:53
يَٰٓأَيُّهَا ٱلَّذِينَ ءَامَنُواْ لَا تَدۡخُلُواْ بُيُوتَ ٱلنَّبِيِّ إِلَّآ أَن يُؤۡذَنَ لَكُمۡ إِلَىٰ طَعَامٍ غَيۡرَ نَٰظِرِينَ إِنَىٰهُ وَلَٰكِنۡ إِذَا دُعِيتُمۡ فَٱدۡخُلُواْ فَإِذَا طَعِمۡتُمۡ فَٱنتَشِرُواْ وَلَا مُسۡتَـٔۡنِسِينَ لِحَدِيثٍۚ إِنَّ ذَٰلِكُمۡ كَانَ يُؤۡذِي ٱلنَّبِيَّ فَيَسۡتَحۡيِۦ مِنكُمۡۖ وَٱللَّهُ لَا يَسۡتَحۡيِۦ مِنَ ٱلۡحَقِّۚ وَإِذَا سَأَلۡتُمُوهُنَّ مَتَٰعٗا فَسۡـَٔلُوهُنَّ مِن وَرَآءِ حِجَابٖۚ ذَٰلِكُمۡ أَطۡهَرُ لِقُلُوبِكُمۡ وَقُلُوبِهِنَّۚ وَمَا كَانَ لَكُمۡ أَن تُؤۡذُواْ رَسُولَ ٱللَّهِ وَلَآ أَن تَنكِحُوٓاْ أَزۡوَٰجَهُۥ مِنۢ بَعۡدِهِۦٓ أَبَدًاۚ إِنَّ ذَٰلِكُمۡ كَانَ عِندَ ٱللَّهِ عَظِيمًا ٥٣
Imi vatendi! Musapinda mudzimba dzemuporofita (SAW) kusara kwekuti mvumo yapiwa kwamuri yekuti mudye kwete (kukasika kuuya) kuzomirira gadziriro yacho. Asi kana muchinge makokwa, pindai, uye kana muchinge matora kudya kwenyu shaikai musina kumirira kana nyaya. Zvirokwazvo (kahunhu kakadero), kanogumbura muporofita uye vanokunyarai (kukutaurirai kuti muchienda). Asi Allah havanyari (kukuudzai) chokwadi. Uye kana muchibvunza chero zvamunoda kumadzimai ake, vabvunzei muri seri kwechimwe chinhu, izvi ndizvo zvinhu zvakarurama pamoyo penyo neyavo. Uye hazvina kunaka kuti mugumbure mutumwa waAllah (SAW), kana kuti kuroora madzimai ake mushure mekufa kwake. Zvirokwazvo, izvi naAllah zvichange zviri chitadzo chikuru.

Changelog