Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute

Ayah by Ayah

Tags

Download Links

Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute translation for Surah Al-Mujadila — Ayah 22

58:22
لَّا تَجِدُ قَوۡمٗا يُؤۡمِنُونَ بِٱللَّهِ وَٱلۡيَوۡمِ ٱلۡأٓخِرِ يُوَآدُّونَ مَنۡ حَآدَّ ٱللَّهَ وَرَسُولَهُۥ وَلَوۡ كَانُوٓاْ ءَابَآءَهُمۡ أَوۡ أَبۡنَآءَهُمۡ أَوۡ إِخۡوَٰنَهُمۡ أَوۡ عَشِيرَتَهُمۡۚ أُوْلَٰٓئِكَ كَتَبَ فِي قُلُوبِهِمُ ٱلۡإِيمَٰنَ وَأَيَّدَهُم بِرُوحٖ مِّنۡهُۖ وَيُدۡخِلُهُمۡ جَنَّٰتٖ تَجۡرِي مِن تَحۡتِهَا ٱلۡأَنۡهَٰرُ خَٰلِدِينَ فِيهَاۚ رَضِيَ ٱللَّهُ عَنۡهُمۡ وَرَضُواْ عَنۡهُۚ أُوْلَٰٓئِكَ حِزۡبُ ٱللَّهِۚ أَلَآ إِنَّ حِزۡبَ ٱللَّهِ هُمُ ٱلۡمُفۡلِحُونَ ٢٢
Iwe (Muhammad (SAW)) haufi wakawana vanhu avo vanotenda kuna Allah uye nezuva rekutongwa (rekupedzisira) vachiita ushamwari neavo vanopikisa Allah nemutumwa wavo (Muhammad (SAW)), kunyangwe zvazvo vari vanababa vavo kana kuti vana vavo kana madzikoma avo kana hama dzavo dzepedyo. Kune vanhu vakadaro, (Allah) vakavanyorera kutenda mumoyo yavo, uye vakavasimbisa nemweya (uchapupu nechiedza) kubva kwavari. Uye vachavapinza muParadhiso rine nzizi dzinoerera mavachagara zvachose. Allah vachifara navo uye ivo vachifara naAllah. Vanhu vakadaro ndivo chikwata chaAllah. Chokwadi, chikwata chaAllah ndicho chichabudirira.

Changelog