Hatina kumbotumira mutumwa kana muporofita iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)), asi paakaverenga zvatumirwa (bhuku) kana kutsanangura kana kutaura (nezvebhuku), Satani akakanda manyepo mariri. Asi Allah vanobvisa (vanodzivirira) izvo zvinouya naSatani, uye Allah vanogadza (nekusimbisa) ndima dzavo. Uye Allah ndivo vane ruzivo rwese, uye vane hungwaru hwese.