Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute

Ayah by Ayah

Tags

Download Links

Shona Translation — Dar Al-Ilm Institute translation for Surah Al-Hashr — Ayah 7

59:7
مَّآ أَفَآءَ ٱللَّهُ عَلَىٰ رَسُولِهِۦ مِنۡ أَهۡلِ ٱلۡقُرَىٰ فَلِلَّهِ وَلِلرَّسُولِ وَلِذِي ٱلۡقُرۡبَىٰ وَٱلۡيَتَٰمَىٰ وَٱلۡمَسَٰكِينِ وَٱبۡنِ ٱلسَّبِيلِ كَيۡ لَا يَكُونَ دُولَةَۢ بَيۡنَ ٱلۡأَغۡنِيَآءِ مِنكُمۡۚ وَمَآ ءَاتَىٰكُمُ ٱلرَّسُولُ فَخُذُوهُ وَمَا نَهَىٰكُمۡ عَنۡهُ فَٱنتَهُواْۚ وَٱتَّقُواْ ٱللَّهَۖ إِنَّ ٱللَّهَ شَدِيدُ ٱلۡعِقَابِ ٧
Izvo zvinopiwa naAllah semhimbiri kumutumwa wavo (Muhammad (SAW)) kubva kune vanhu vemumaguta, ndezvaAllah, uye mutumwa wavo (Muhammad (SAW)), uye hama dzake dzepedyo, uye nherera, uye vanoshaya, uye nevafambi (vari parwendo), kuitira kuti mukana usave wevapfumi chete mukati menyu. Uye chose chamunopiwa nemutumwa (Muhammad (SAW)), chibatisisei; uye izvo zvaanokurambidzai, siyai. Uye ityai Allah; zvirokwazvo, Allah vakaoma pakuranga.

Changelog